1 Timothy 2

Mirairo yekushumira pamwe

1Naizvozvo kutanga pazvese ndinokurudzira kuti mikumbiro, minyengetero, kureverera nekupa kuvonga zviitirwe vanhu vese; 2pamadzimambo nevese vari panzvimbo dzakakwirira kuti tirarame upenyu hwerugare nerunyararo pakunamata Mwari kwese nerukudzo; 3nokuti izvi zvakanaka uye zvinogamuchirwa pamberi paMwari Muponesi wedu, 4uyo anoda kuti vanhu vese vaponeswe uye vasvike pakuziva chokwadi. 5Nokuti kuna Mwari umwe, nemurevereri umwe pakati paMwari nevanhu, ndiye munhu Kristu Jesu, 6wakazvipa iye kuva rudzikunuro rwevese, chive chapupu panguva dzakafanira, 7icho chandagadzirwa ini kuva muparidzi nemuapositori (ndinoreva chokwadi muna Kristu, handitauri nhema), mudzidzisi wevahedheni parutendo nechokwadi.

Zvinofanira kuita vakadzi

8Naizvozvo ndinoshuva kuti varume vanyengetere panzvimbo dzese, vachisimudza maoko matsvene, pasina kutsamwa nekupikisana. 9Saizvozvowo vakadzi vazvishongedze nezvipfeko zvakafanira, vane kunyara nekuzvidzora, kwete nevhudzi rakarukwa, kana goridhe, kana maparera*, kana nguvo dzinodhura, 10asi, zvakafanira vakadzi vanoti vanoshumira Mwari, nemabasa akanaka. 11Mukadzi ngaadzidze mukunyarara nekuzvininipisa kwese. 12Asi handitenderi mukadzi kuti adzidzise, kana kuti ave nesimba pamusoro pemurume, asi ave mukunyarara. 13Nokuti Adhamu wakatanga kuumbwa, tevere Evha; 14naAdhamu haana kunyengerwa, asi mukadzi anyengerwa wakava mukudarika, 15asi achaponeswa kubudikidza nekubereka vana, kana vachirambira murutendo nerudo neutsvene pamwe nekuzvidzora.

Copyright information for Shona